Judges 6

Gidheoni

1VaIsraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha, uye akavaisa mumaoko avaMidhiani kwamakore manomwe. 2Nokuda kwokuti ruoko rwavaMidhiani rwakavadzvinyirira kwazvo, vaIsraeri vakazvigadzirira nzvimbo dzokuvanda mumakomo, mumapako uye nenhare. 3VaIsraeri vaingoti vakadyara mbeu dzavo, vaMidhiani, vaAmareki navamwe vanhu vokumabvazuva, vaiuya kuzorwisa nyika yavo. 4Vakadzika misasa yavo munyika uye vakaparadza zvirimwa kubva kuGaza yose, uye havana kusiyira vaIsraeri chinhu, makwai, mombe kana mbongoro. 5Vakauya nezvipfuwo zvavo namatende avo vakawanda sechimokoto chemhashu. Zvakanga zvisingagoneki kuti uverenge vanhu nengamera dzavo; vakapinda munyika kuti vaiparadze. 6VaMidhiani vakaita kuti vaIsraeri vave varombo zvokuti vakachema kuna Jehovha kuti avabatsire.

7VaIsraeri vakati vachema kuna Jehovha nokuda kwavaMidhiani, 8Akatuma muprofita, akati kwavari, “Zvanzi naJehovha: Mwari waIsraeri: Ndakakubudisai kubva muIjipiti, munyika youtapwa. 9Ndakakubvutai kubva musimba reIjipiti, nokubva muruoko rwavadzvinyiriri venyu vose. Ndakavadzinga pamberi penyu ndikakupai nyika yavo. 10Ndakati kwamuri, ‘Ndini Jehovha Mwari wenyu, musanamata vamwari vavaAmori, vamugere munyika yavo.’ Asi hamuna kunditeerera.”

11Mutumwa waJehovha akauya akagara pasi pomuouki muOfira raJoashi muAbhiezeri, paipurwa gorosi naGidheoni mwanakomana wake muchisviniro chewaini, kuti aivanze kubva kuvaMidhiani. 12Mutumwa waJehovha akati azviratidza kuna Gidheoni, akati kwaari, “Jehovha anewe, iwe murume wesimba noumhare.”

13Gidheoni akapindura akati, “Asika, ishe wangu, kana Jehovha anesu, seiko izvi zvose zvakaitika kwatiri? Zvishamiso zvake zvose zviripiko zvatakaudzwa namadzibaba edu pavakati, ‘Jehovha haana kutibudisa muIjipiti here?’ Asi zvino Jehovha akatisiya uye akatiisa muruoko rwavaMidhiani.”

14Jehovha akatendeukira kwaari akati, “Enda nesimba raunaro uponese Israeri muruoko rwavaMidhiani. Handizini ndakutuma here?”

15Gidheoni akabvunza akati, “Asika Ishe, ndingaponesa Israeri seiko? Imba yangu ndiyo dukusa maManase, uye ini ndiri mudukusa mumhuri yangu.”

16Jehovha akapindura akati, “Ndichava newe, uye iwe uchauraya vaMidhiani vose pamwe chete.”

17Gidheoni akapindura akati, “Zvino kana ndawana nyasha pamberi penyu, ndipei chiratidzo kuti ndizive kuti ndimi munotaura neni. 18Ndapota hangu, musabva pano kusvikira ndadzoka uye ndauya nechipiriso changu ndigochiisa pamberi penyu.”

Uye Jehovha akati, “Ndichamira pano kusvikira wadzoka.”

19Gidheoni akapinda, akandogadzira mbudzana, uye akaita chingwa chisina kuviriswa cheefa
marita angaita 22
youpfu hwakatsetseka. Akaisa nyama mudengu uye muto wayo akauisa muhari, akabuda nazvo akazvipa kwaari pasi pomuouki.

20Mutumwa waMwari akati kwaari, “Tora nyama nechingwa chisina mbiriso, uzviise paruware urwu, uye ugodirapo muto wacho.” Uye Gidheoni akaita saizvozvo. 21Mutumwa waJehovha akagunzva nyama nechingwa chisina mbiriso nomuromo wetsvimbo yaiva muruoko rwake. Moto wakabuda paruware, ukapisa nyama nechingwa. Ipapo mutumwa waJehovha akanyangarika. 22Gidheoni akati aziva kuti akanga ari mutumwa waJehovha, akadanidzira akati, “Maiwe, Ishe Jehovha! Ndaona mutumwa waJehovha chiso nechiso!”

23Asi Jehovha akati kwaari, “Rugare! Usatya. Hausi kuzofa.”

24Saka Gidheoni akavakira Jehovha aritari ipapo akaitumidza kuti Jehovha Ndiye Rugare. Nanhasi ichakamirapo muOfira ravaAbhiezeri.

25Usiku hwacho ihwohwo Jehovha akati kwaari, “Tora hando yechipiri kubva pamombe dzababa vako iyo ina makore manomwe. Uputsire pasi aritari yababa vako yaBhaari uye ugotema danda raAshera riri pairi. 26Ipapo ugovakira Jehovha Mwari wako aritari kwayo pamusoro penhare iyi. Utore hando yechipiri ugoibayira sechipiriso chinopiswa uchishandisa huni dzedanda raAshera rawakatema.”

27Saka Gidheoni akatora varanda vake gumi akaita sezvaakaudzwa naJehovha. Asi nokuda kwokuti akanga achitya vemhuri yake uye navanhu vomuguta, akaita izvi usiku pano kuzviita masikati.

28Vanhu vomuguta vakati vachimuka mangwanani, vakaona heyo aritari yaBhaari yakaputswa, nedanda raAshera parutivi rwayo rakatemwa, uye hando yechipiri yakabayirwa paaritari itsva yakanga yavakwa!

29Vakabvunzana vakati, “Ndianiko aita izvi?”

Vakati vanyatsoferefeta, vakaudzwa kuti, “Gidheoni mwanakomana waJoashi ndiye aita izvi.”

30Vanhu vomuguta vakati kuna Joashi, “Budisa mwanakomana wako. Anofanira kufa, nokuti akaputsa aritari dzaBhaari uye akatema danda raAshera parutivi payo.”

31Asi Joashi akapindura ungano yakanga ine hasha kwazvo yakamukomberedza akati, “Ko, imi munoda kurwira Bhaari here? Muri kuda kuedza kumuponesa here? Ani naani achamurwira achaurayiwa mangwanani ano! Kana Bhaari ari mwari chaiye, anogona kuzvidzivirira kana mumwe munhu achiputsa aritari yake.” 32Saka pazuva iroro vakatumidza Gidheoni zita rokuti, “Jerubhi-Bhaari,” vachiti, “Bhaari ngaarwe naye, nokuti akaputsa aritari yaBhaari.”

33Zvino vaMidhiani, vaAmareki navamwe vanhu vokumabvazuva vakabatana vakayambuka Jorodhani vakandodzika matende avo muMupata weJezireeri. 34Ipapo mweya waJehovha wakauya pamusoro paGidheoni, uye akaridza hwamanda, achidana vaAbhiezeri kuti vamutevere. 35Akatuma nhume munyika yose yaManase, achivakoka kuhondo, uyewo muAsheri, Zebhuruni neNafutari, kuti naivowo vakwidze kundosangana navo.

36Gidheoni akati kuna Mwari, “Kana muchizoponesa Israeri noruoko rwangu sezvamakavimbisa, 37tarirai, ndichaisa chisumbu chewuru paburiro. Kana dova rikava pachisumbu chewuru chete uye pasi pose pakaoma, ipapo ndichaziva kuti muchaponesa Israeri noruoko rwangu, sezvamakareva.” 38Uye izvi ndizvo zvakaitika. Gidheoni akamuka mangwanani ezuva rakatevera; akasvina chisumbu chewuru akabudisa dova, akazadza mbiya nemvura.

39Ipapo Gidheoni akati kuna Mwari, “Musanditsamwira henyu. Regai ndiite hangu chimwezve chikumbiro. Nditenderei ndiedzezve nechisumbu chewuru. Panguva ino itai kuti chisumbu chewuru chiome asi pasi pose pafukidzwe nedova.” 40Usiku ihwohwo Mwari akaita izvozvo. Wuru yakanga yakaoma; pasi pose pakanga pakafukidzwa nedova.

Copyright information for SnaBDSC